Hosea 7

1Pose pandinoda kuporesa Israeri,
zvivi zvaEfuremu zvinoiswa pachena
uye mhosva dzeSamaria dzinobudiswa pachena.
Vanoita zvounyengeri,
mbavha dzinopaza dzimba,
uye makororo anotorera vanhu zvinhu munzira;
2asi havazivi kuti
ndinorangarira zvakaipa zvose zvavanoita.
Zvivi zvavo zvinovakomberedza;
zvinoramba zviri pamberi pangu nguva dzose.

3“Vanofadza mambo nezvakaipa zvavo,
machinda nenhema dzavo.
4Vose imhombwe,
vanopisa sechoto,
moto wacho usingadi mukanyi wechingwa kukuchidzira,
kubva pakukanywa kwebundu rechingwa kusvikira chafuta.
5Pazuva romutambo wamambo wedu
machinda anorwara nokuda kwewaini,
uye iye akabatana navaseki.
6Mwoyo yavo yakafanana nechoto;
vanouya kwaari nounyengeri,
ruchiva rwavo runonyeketa somoto usiku hwose;
mangwanani ruchizopfuta serimi romoto.
7Vose zvavo vanopisa sechoto;
vanoparadza vatongi vavo.
Madzimambo avo ose anowira pasi,
uye hapana kana mumwe wavo anodana kwandiri.

8“Efuremu anovhengana namarudzi;
Efuremu chingwa chitete chisina kushandurwa.
9Vatorwa vakamusveta simba rake,
asi iye haazvizivi.
Bvudzi rake rava kuchena,
asi iye haazvicherechedzi.
10Kuzvikudza kwaIsraeri kunomupupurira zvakaipa,
asi kunyange zvakadaro
haadzoki kuna Jehovha Mwari wake
kana kumutsvaka.

11“Efuremu akaita senjiva,
inonyengereka zviri nyore uye isina njere,
zvino anodana kuIjipiti,
mushure anoenda kuAsiria.
12Pavachaenda, ndichakandira mumbure pamusoro pavo;
ndichavakwevera pasi seshiri dzedenga.
Pandichavanzwa vachibhururuka pamwe chete,
ndichavabata.
13Vane nhamo,
nokuti vakarasika vachibva kwandiri!
Ngavaparadzwe,
nokuti vakandipandukira!
Ndinoshuva kuvadzikinura,
asi vanondirevera nhema.
14Havachemi kwandiri zvinobva pamwoyo yavo,
asi vanoungudza vari panhoo dzavo.
Vanounganira zviyo newaini itsva
asi vanondifuratira.
15Ndakavadzidzisa ndikavasimbisa,
asi vanorangana kundiitira zvakaipa.
16Havadzokeri kuna iye Wokumusoro-soro;
vakafanana nouta hunonyengera.
Vatungamiri vavo vachaparadzwa nomunondo,
nokuda kwamashoko avo ounhubu.
Nokuda kwaizvozvi vachasekwa
munyika yeIjipiti.
Copyright information for SnaBDSC