Isaiah 19

Chiprofita pamusoro peIjipiti

1Chirevo pamusoro peIjipiti:

Tarirai, Jehovha akatasva gore rinomhanya,
uye ari kuuya kuIjipiti.
Zvifananidzo zveIjipiti zviri kudedera pamberi pake,
uye mwoyo yavaIjipita yonyungudika mukati mavo.

2“Ndichakuchidzira kumukirana pakati pavaIjipita,
mununʼuna acharwa nomukoma,
muvakidzani acharwa nowaakavakidzana naye,
guta richarwisana nerimwe guta,
umambo hucharwisana nohumwe umambo.
3VaIjipita vachaora mwoyo,
uye ndichaita kuti zvavanoronga zvive pasina;
vachabvunza zvifananidzo nemweya yavakafa,
nokumasvikiro navavuki.
4Ndichaisa vaIjipita mumaoko amambo ano utsinye
uye mambo anotyisa achatonga pamusoro pavo,”
ndizvo zvinotaura Ishe,
Jehovha Wamasimba Ose.

5Mvura yomurwizi ichapwa,
uye mahombekombe erwizi achapwa agova akaoma.
6Migero ichanhuhwa;
hova dzeIjipiti dzichaderera uye dzichapwa.
Tsanga nenhokwe zvichauna,
7uyewo zvinomera zvichitevedza Nairi,
pamuromo werwizi.
Minda yose yakadyarwa mujinga meNairi ichaoma,
mbesa dzichapeperetswa nemhepo, hazvingazovapozve.
8Vabati vehove vachagomera uye vagorira,
vose vanokanda zviredzo muna Nairi;
vaya vanokanda mimbure pamusoro pemvura vacharukutika.
9Vanobata neshinda yakanaka vachapera simba,

varuki vemicheka yakanaka vachashaya tariro.
10Vanobata nemicheka vachaora mwoyo,
uye vose vanobatira mubayiro vacharwadziwa mwoyo.

11Machinda eZoani haasi chinhu asi mapenzi;
makurukota aFaro akachenjera anopa zano risina mano.
Mungareva sei kuna Faro, kuti,
“Ndini mumwe wavakachenjera,
mudzidzi wamadzimambo akare?”

12Zvino vakachenjera venyu varipiko?
Ngavakuratidzei uye vakuzivisei
zvakafungwa naJehovha Wamasimba Ose
pamusoro peIjipiti.
13Machinda eZoani ava mapenzi,
vatungamiri veMemufisi vanyengerwa;
mabwe ekona amarudzi
avo atsausa Ijipiti.
14Jehovha akadururira mavari mweya wedzungu;
vanoita kuti Ijipiti idzedzereke mune zvose zvainoita,
sezvinoita chidhakwa
chinodzedzereka mumarutsi acho.
15Hapana chingaitwa neIjipiti, musoro kana muswe,
davi romuchindwe kana rushanga.
16Pazuva iro, vaIjipita vachafanana navakadzi. Vachadedera nokutya panosimudzwa ruoko rwaJehovha Wamasimba Ose pamusoro pavo. 17Uye nyika yeJudha ichava chinhu chinotyisa kuvaIjipita; mumwe nomumwe achanzwa nezvaJudha achatya, nokuda kwezvinofungwa naJehovha Wamasimba Ose pamusoro pavo.

18Pazuva iro, maguta mashanu omuIjipiti achataura mutauro weKenani uye vachapikira vachazvipira kuna Jehovha Wamasimba Ose. Rimwe racho richanzi Guta roKuparadza.

19Pazuva iro, pachava nearitari kuna Jehovha mukati chaimo meIjipiti, nembiru kuna Jehovha pamuganhu wayo. 20Ichava chiratidzo nechapupu kuna Jehovha Wamasimba Ose munyika yeIjipiti. Pavanodanidzira kuna Jehovha nokuda kwavamanikidzi vavo, achavatumira muponesi nomurwiri, ipapo achavanunura. 21Saka Jehovha achazviratidza kuvaIjipita, uye pazuva iro vachaziva Jehovha. Vachanamata nezvibayiro uye nezvipiriso zvezviyo; vachaita mhiko kuna Jehovha uye vagodzichengeta. 22Jehovha acharova Ijipiti nehosha; acharova agovarapazve. Vachatendeukira kuna Jehovha, uye achapindura mikumbiro yavo nokuvarapa.

23Pazuva iro, pachava nenzira huru ichabva kuIjipiti ichienda kuAsiria. VaAsiria vachaenda kuIjipiti uye vaIjipita vachaendawo kuAsiria. VaIjipita navaAsiria vachanamata pamwe chete. 24Pazuva iro Israeri ichava yechitatu, ichitevera Ijipiti neAsiria, ichava ropafadzo panyika. 25Jehovha Wamasimba Ose achavaropafadza achiti, “Ngavaropafadzwe vaIjipita vanhu vangu, navaAsiria, basa ramaoko angu, navaIsraeri, nhaka yangu.”

Copyright information for SnaBDSC