Jeremiah 51

1Zvanzi naJehovha:

“Tarirai, ndichamutsa mwoyo womuparadzi
pamusoro peBhabhironi navanhu veRebhi Kamai.
2Ndichatumira vatorwa kuBhabhironi
kundorirurudza nokuparadza nyika yaro;
vacharirwisa kumativi ose, pazuva rokuparara kwaro.
3Musarega mupfuri achiwembura uta hwake,
kana kumurega achipfeka nhumbi dzake dzokurwa.
Regai kunzwira majaya aro tsitsi;
paradzai hondo yaro zvachose.
4Vachawira pasi vaurayiwa muBhabhironi,
vachakuvadzwa mumigwagwa zvokuti havazorarami.
5Nokuti Israeri neJudha havana kuraswa
naMwari wavo, iye Jehovha Wamasimba Ose,
kunyange nyika yavo yakazara nemhaka
pamberi poMutsvene waIsraeri.

6“Tizai mubve muBhabhironi!
Mhanyai muponese upenyu hwenyu!
Regai kuparadzwa nokuda kwezvivi zvaro.
Inguva yokutsiva kwaJehovha;
iye achariripira zvarinokodzera.
7Bhabhironi rakanga riri mukombe wegoridhe muruoko rwaJehovha;
rakadhakisa nyika yose.
Ndudzi dzakanwa waini yaro;
naizvozvo dzava kupenga.
8Bhabhironi richawa pakarepo rigoondomoka.
Ungudzai pamusoro paro!
Torai muti webharisamu murape kurwadziwa kwaro;
zvimwe ringaporeswa.

9“ ‘Taida kuporesa Bhabhironi,
asi haringaporeswi;
ngatirisiyei mumwe nomumwe aende kunyika yake,
nokuti kutongwa kwaro kunosvika kumatenga,
kunokwira kusvikira kumakore.’

10“ ‘Jehovha akati hatina mhosva;
uyai, tiparidze muZioni
zvakaitwa naJehovha Mwari wedu.’

11“Rodzai miseve,
torai nhoo!
Jehovha akamutsa madzimambo avaMedhia,
nokuti akaronga kuparadza Bhabhironi.
Jehovha achatsiva,
kutsivira temberi yake.
12Simudzai mureza pamusoro pamasvingo eBhabhironi!
Simbisai varindi,
isai nharirire panzvimbo dzavo,
gadzirirai vanovandira.
Jehovha achaita zvaakaronga,
zvaakatema pamusoro pavanhu veBhabhironi.
13Imi mugere pedyo nemvura zhinji
uye makapfuma kwazvo,
magumo enyu asvika,
nguva yokuti muparadzwe.
14Jehovha Wamasimba Ose akapika naiye amene achiti:
Zvirokwazvo ndichakuzadza navarume, sezvinoitwa nechimokoto chemhashu,
uye vachapembera nokuti vanenge vakukundai.

15“Akaita nyika nesimba rake;
akateya nheyo dzenyika nouchenjeri hwake,
akatatamura matenga nokunzwisisa kwake.
16Paanotinhira, mvura yomumatenga inotinhira;
anokwidza makore kubva kumigumo yenyika.
Anotuma mheni pamwe chete nemvura,
uye anouyisa mhepo kubva mumatura ake.

17“Munhu mumwe nomumwe haana pfungwa uye haana zivo;
mupfuri mumwe nomumwe wesimbi anonyadziswa nezvifananidzo zvake.
Zvifananidzo zvake ndezvenhema;
hazvina mweya mazviri.
18Hazvina maturo, zvinhu zvinosekwa;
kana kutongwa kwazvo kwasvika, zvichaparadzwa.
19Iye Mugove waJakobho haana kufanana naizvozvi,
nokuti ndiye Muiti wezvinhu zvose,
pamwe chete norudzi rwenhaka yake,
Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.

20“Ndiwe tsvimbo yangu yehondo,
chombo changu chokurwa,
newe ndinoparadza ndudzi,
newe ndinoparadza umambo,
21newe ndinoparadza bhiza nomutasvi,
newe ndinoparadza ngoro nomuchairi,
22newe ndinoparadza murume nomukadzi,
newe ndinoparadza mutana nejaya,
newe ndinoparadza jaya nomurandakadzi,
23newe ndinoparadza mufudzi neboka,
newe ndinoparadza murimi nenzombe,
newe ndinoparadza vatongi namachinda.
24“Ndicharipira Bhabhironi navose vagere muBhabhironi pamberi pako, nokuda kwezvakaipa zvavakaita muZioni,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

25“Ndine mhosva newe, iwe gomo rinoparadza,
iwe unoparadza nyika yose,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuti ndikurwise,
ndigokukungurusira kumawere,
ndigokuita gomo rakatsva.
26Hapana dombo richabviswa kwauri kuti riitwe dombo rekona,
kana dombo remhepo,
nokuti uchaparadzwa nokusingaperi,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.

27“Simudzai mureza munyika!
Ridzai hwamanda pakati pendudzi!
Gadzirirai ndudzi kuti dzizorwa naye;
kokai ushe uhu kuzorwa naye:
Ararati, Mini neAshikenazi.
Gadzai mukuru wehondo kuti arwe naye;
tumirai mabhiza akaita sechimokoto chemhashu.
28Gadzirirai ndudzi kuti dzizorwa naye,
madzimambo avaMedhia,
vabati vavo namachinda avo ose,
nenyika dzose dzavanotonga.
29Nyika inodedera uye yomonyoroka,
nokuti zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi hazvingatongokoni,
zvokuparadza nyika yeBhabhironi
kuti pasava nomunhu achagaramo.
30Mhare dzeBhabhironi dzarega kurwa;
vakarambira munhare dzavo.
Simba ravo rapera;
vaita savakadzi.
Ugaro hwake hwakapiswa nomoto;
mazariro amasuo ake avhunika.
31Anotumwa namagwaro achatevera mumwe,
uye nhume ichatevera nhume,
kundozivisa mambo weBhabhironi
kuti guta rake rose rapambwa,
32mazambuko abatwa,
mapani apiswa nomoto,
uye varwi vavhundutswa.”
33Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri:

“Mwanasikana weBhabhironi afanana neburiro
panguva yokupura;
nguva yokumukohwa ichasvika zvino zvino.”

34“Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akatidya,
akatinyonganisa,
akatiita chirongo chisina chinhu.
Akatimedza senyoka,
uye akazadza dumbu rake nezvinonaka zvedu,
mushure maizvozvo akatisvipa.
35Zvechisimba zvakaitwa panyama yedu ngazvive pamusoro peBhabhironi,”
ndizvo zvinotaura vanhu vomuZioni.
Jerusarema rinoti:
“Ropa redu ngarive pamusoro peavo vanogara muBhabhironi.”
36Naizvozvo, zvanzi naJehovha:

“Tarirai, ndichakurevererai mhaka yenyu
uye ndichakutsivirai;
ndichapwisa gungwa raro,
ndichapwisa matsime aro.
37Bhabhironi richava murwi wamatombo,
ugaro hwamakava,
chinhu chinotyisa nechinosekesa,
nzvimbo isina anogaramo.
38Vanhu vake vose vanoomba seshumba diki,
vanobhonʼa sembwanana dzeshumba.
39Asi kana vamutswa,
ndichavagadzirira mutambo
ndigovadhakisa,
kuitira kuti varidze mhere yokuseka,
vagovata nokusingaperi uye varege kumuka,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
40“Ndichavaburutsa pasi
semakwayana ari kundourayiwa,
semakondobwe nembudzi.

41“Haiwa, Sheshaki richakundwa sei,
kuzvirumbidza kwenyika yose kwabatwa!
Bhabhironi rava dongo sei
pakati pendudzi!
42Gungwa richakwira pamusoro peBhabhironi;
mafungu aro anovirima acharifukidza.
43Maguta aro achaparadzwa,
achava nyika yakaoma negwenga,
nyika isingagarwi nomunhu,
isina angapfuura nemairi.
44Ndicharanga Bheri muBhabhironi
ndigomuita kuti asvipe zvaamedza.
Ndudzi hadzichazomhanyiri kwaari.
Uye rusvingo rweBhabhironi ruchawa.

45“Budai mariri, imi vanhu vangu!
Tizai kuti muponese upenyu hwenyu!
Tizai mubve pakutsamwa kunotyisa kwaJehovha.
46Regai kuora mwoyo kana kutya
panotekeshera, runyerekupe munyika;
rumwe runyerekupe runonzwika gore rino, rumwe gore rinouya,
runyerekupe rwokurwisana munyika
uye rwomutongi achirwa nomumwe mutongi.
47Nokuti zvirokwazvo nguva ichasvika
yandichatonga zvifananidzo zveBhabhironi;
nyika yaro yose ichanyadziswa,
uye vakaurayiwa varo vachawira pasi vose mukati maro.
48Ipapo denga nenyika nezvose zviri mazviri
zvichapembera nomufaro pamusoro peBhabhironi,
nokuti vachabva nechokumusoro
vaparadzi vacharirwisa,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.

49“Bhabhironi rinofanira kuwa nokuda kwavakaurayiwa vaIsraeri,
sezvakaita vakaurayiwa venyika yose
vakawa nokuda kweBhabhironi.
50Imi makapunyuka pamunondo,
endai uye musamira-mira!
Murangarire Jehovha munyika iri kure,
uye murangarire Jerusarema.”

51“Takanyadziswa,
nokuti takatukwa
uye nyadzi dzinofukidza zviso zvedu,
nokuti vatorwa vakapinda
munzvimbo tsvene dzeimba yaJehovha.”

52“Asi mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha,
“andichatonga zvifananidzo zvaro,
uye munyika yake yose
vakakuvara vachagomera.
53Kunyange dai Bhabhironi rikasvika kudenga,
uye rikasimbisa nhare yaro yakareba,
ndichatumira vaparadzi kuzorirwisa,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.

54“Inzwi rokuchema rinobva kuBhabhironi,
inzwi rokuparadza kukuru
rinobva kunyika yavaBhabhironi.
55Jehovha achaparadza Bhabhironi;
achanyaradza ruzha rwokunyongana kwaro.
Mafungu avavengi achaomba semvura zhinji;
kutinhira kwamanzwi avo kuchanzwikwa.
56Muparadzi achauya kuzorwisa Bhabhironi;
varwi varo vachabatwa,
uye uta hwavo huchavhunwa.
Nokuti Jehovha ndiMwari wokutsiva;
achatsiva zvizere.
57Ndichaita kuti machinda ake navakachenjera vake vadhakwe,
vabati, namachinda uye navarwi vakewo;
vachavata nokusingaperi uye havangamuki,”
ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose.
58Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:

“Masvingo makobvu eBhabhironi achaparadzwa,
uye masuo aro akakwirira achapiswa;
vanhu vanongozvinetsa pasina,
mabasa endudzi ihuni dzomurazvo bedzi.”
59Iri ndiro shoko rakapiwa naJeremia kumuchinda Seraya mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseya, paakaenda kuBhabhironi naZedhekia mambo weJudha mugore rechina rokutonga kwake. 60Jeremia akanga anyora murugwaro pamusoro penjodzi dzose dzaizouya pamusoro peBhabhironi, zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro peBhabhironi. 61Akati kuna Seraya, “Paunosvika kuBhabhironi, uone kuti waverenga mashoko ose aya uchidanidzirisa. 62Ipapo uti, ‘Haiwa Jehovha, makati muchaparadza nzvimbo ino, zvokuti hakuna munhu kana zvipfuwo zvingagaramo; ichaparadzwa nokusingaperi.’ 63Paunopedza kuverenga rugwaro urwu, sungira ibwe parwuri ugorukanda muna Yufuratesi. 64Ipapo uti, ‘Saizvozvo Bhabhironi richanyura rikasazomukazve nokuda kwenjodzi yandichauyisa pamusoro paro. Uye vanhu varo vachawa.’ ”

Mashoko aJeremia anogumira pano.

Copyright information for SnaBDSC