Job 5

1“Chidana zvino kana uchida, asi ndianiko achadavira?
Uchadzokera kuno upiko wavatsvene?
2Kutsamwa kunouraya benzi,
uye godo rinouraya asina mano.
3Ini pachangu ndakaona benzi richidzika midzi,
asi pakarepo imba yake yakatukwa.
4Vana vake havana kuchengetedzeka,
vanopwanyiwa padare vasina anovarwira.
5Vane nzara vanodya zvaakacheka,
vachizvitora kunyange pakati peminzwa,
uye vane nyota vanodokwairira pfuma yake.
6Nokuti kutambudzika hakubudi muvhu,
uye nhamo haimeri muvhu.
7Asi munhu anoberekerwa nhamo,
zvirokwazvo sokubarika kwomoto kunokwira kumusoro.

8“Asi dai ndakanga ndirini, ndaiturira mhosva yangu kuna Mwari;
ndaiisa mhaka yangu pamberi pake.
9Anoita minana isingagoni kuyerwa,
zvishamiso zvisingagoni kuverengwa.
10Anopa mvura panyika;
anotuma mvura pamusoro penyika.
11Vanozvininipisa anovaisa pakakwirira,
uye vaya vanochema vanosimudzirwa kuchinzvimbo chokuchengetedzwa.
12Anokonesa zvirongwa zvavanyengeri,
kuitira kuti maoko avo abate pasina.
13Anobata vakachenjera muunyengeri hwavo,
uye zvirongwa zvenhubu zvinokukurwa.
14Rima rinosvika pamusoro pavo masikati;
vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.
15Anoponesa vanoshayiwa kubva pamunondo uri pamiromo yavo;
anovaponesa pakudzvinya kwavane simba.
16Saka varombo vane tariro,
uye kusaruramisira kunopfumbira muromo wako.

17“Akaropafadzwa munhu anogadziridzwa zvaari naMwari;
saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose.
18Nokuti anopa vanga, asi achisungazve;
anokuvadza, asi maoko ake anorapazve.
19Achakurwira kubva panjodzi nhanhatu;
kunyange panomwe hakuna kukuvadzwa kuchakuwira.
20Munzara achakudzikinura kubva parufu,
uye muhondo kubva pakubaya kwomunondo.
21Uchadzivirirwa kubva pakurova kworurimi,
uye haungatyi panosvika kuparadza.
22Uchaseka kuparadza nenzara,
uye haufaniri kutya zvikara zvenyika.
23Nokuti uchaita sungano namabwe esango,
uye zvikara zvesango zvichava norugare newe.
24Uchaziva kuti tende rako rakasimba,
uchaverenga zvinhu zvako ugowana zvakakwana.
25Uchaziva kuti vana vako vachava vazhinji,
uye zvizvarwa zvako zvichaita souswa hwenyika.
26Uchasvika paguva une simba guru,
sezvisote zvakaunganidzwa panguva yazvo.

27“Takazviedza izvi, uye ndezvechokwadi.
Saka chizvinzwa ugozviita iwe pachako.”
Copyright information for SnaBDSC