Job 9

Jobho

1Ipapo Jobho akapindura akati:

2“Zvirokwazvo ndinoziva kuti ichokwadi.
Asi munhu anofa angava akarurama pamberi paMwari seiko?
3Kunyange dai mumwe aida kuita nharo naye,
haaizogona kumupindura kamwe chete pamibvunzo chiuru.
4Uchenjeri hwake hwakadzika, simba rake iguru kwazvo.
Ndianiko akamudzivisa akabuda asina vanga?
5Anofambisa makomo iwo asingazivi
agoapidigura mukutsamwa kwake kukuru.
6Anozungunusa nyika ikabva panzvimbo yayo
uye anoita kuti mbiru dzayo dzidengenyeke.
7Anotaura kuzuva iro ndokurega kuvhenekera;
anodzivira chiedza chenyeredzi.
8Iye oga anotambanudza matenga
uye anofamba pamusoro pamafungu egungwa.
9Ndiye Muiti weNyeredzi dzeAkutiro neOrioni,
dzeChimunomwe namapoka enyeredzi dzenyasi.
10Anoita minana isingagoni kunzwisisiswa,
nezvishamiso zvisingagoni kuverengwa.
11Paanondipfuura, handigoni kumuona;
paanoenda napo handingamuoni.
12Kana achibvuta, ndiani angamudzivisa?
Ndiani angati kwaari, ‘Unoiteiko?’
13Mwari haadzori kutsamwa kwake;
kunyange boka ravarwi raRahabhi rakawira patsoka dzake nokutya.

14“Zvino ndingakakavadzana naye seiko?
Ndingawana seiko mashoko okuita nharo naye?
15Kunyange ndakanga ndisina mhaka, handaigona kumupindura;
ndaingokumbira hangu nyasha kuMutongi wangu.
16Kunyange dai ndaimudana hangu uye akandipindura,
handitendi kuti aizowana nguva yokundinzwa.
17Aizondiparadza nedutu
uye achizowedzera maronda angu pasina mhosva.
18Haaizonditenderazve kuti nditure mafemo,
asi aizondizadza namatambudziko.
19Kana zviri zvesimba, iye ane simba guru!
Uye kana zviri zvokururamisira, ndianiko angamudana kuti amutonge?
20Kunyange dai ndisina mhosva, muromo wangu waizongondipa mhaka;
dai zvangu ndakarurama, iwo waizongondipa mhaka.

21“Kunyange ndisina mhosva,
handina hangu hanya nazvo;
ndinozvidza upenyu hwangu pachangu.
22Zvakangofanana; ndokusaka ndichiti,
‘Iye anoparadza vasina mhosva nevakaipa.’
23Kana dambudziko rikauyisa rufu nokukurumidza,
achaseka kushaya tariro kwavasina mhosva.
24Panowira nyika mumaoko avakaipa,
vatongi vayo anovapofumadza.
Kana asiri iye, zvino ndianiko?

25“Mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi;
anobhururuka oenda asina kumboona mufaro.
26Anopfuura sezvikepe zvenhokwe,
kufanana namakondo anomhanyira nyama yawo.
27Kana ndikati, ‘Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu,
ndichashandura chiso changu, ndigonyemwerera,’
28ndinongotya kutambura kwangu,
nokuti ndinoziva kuti imi hamuregi kundipa mhosva.
29Sezvo ndatopiwa hangu mhosva,
ko, ndichagotamburirei pasina?
30Kunyange dai ndikazvishambidza nesipo
uye ndikashamba maoko angu nesoda,
31imi muchandinyudza mugomba rematope
zvokuti kunyange nenguo dzangu dzichandisema.

32“Iye haasi munhu akafanana neni kuti ndimupindure,
kuti zvimwe iye neni tisangane mudare redzimhosva.
33Dai chete paingova nomumwe angamira pakati pedu,
kuti aise ruoko rwake patiri tose,
34mumwe zvake angabvise shamhu yaMwari kwandiri,
kuti kutyisa kwake kurege kundivhundutsazve.
35Ipapo ndichataura ndisingamutyi,
asi sezvazvakaita kwandiri iye zvino, handingakwanisi.
Copyright information for SnaBDSC