Micah 7

Nhamo yeIsraeri

1Inhamoi yandinayo!
Ndafanana nouya anounganidza michero
yezhizha inosara mumunda wemizambiringa pakukohwa;
hapana sumbu ramazambiringa rokudya,
kana maonde okutanga andinopanga.
2Vanhu vano umwari vabviswa panyika;
hapana mumwe akarurama asara.
Vanhu vose vanovandira kuti vateure ropa;
mumwe nomumwe anovhima hama yake nomumbure.
3Maoko ose ari maviri ane unyanzvi pakuita zvakaipa;
mubati anomanikidzira vanhu kuti vamupe zvipo,
mutongi anotambira fufuro,
vane simba vanomanikidzira zvido zvavo;
vose vanozvironga pamwe chete.
4Akanaka kupfuura vose akangoita sorukato,
vakarurama kupfuura vose vakaipa kupfuura ruzhowa rweminzwa.
Zuva renharirire dzenyu rasvika,
zuva rokushanyirwa kwenyu naMwari.
Zvino ino ndiyo nguva yokukanganiswa kwavo.
5Rega kuvimba nomuvakidzani wako;
usavimba neshamwari yako.
Kunyange nomukadzi wawakagumbatira,
uchenjerere mashoko ako.
6Nokuti mwanakomana anozvidza baba vake,
mwanasikana anomukira mai vake,
muroora anomukira vamwene vake;
vavengi vomunhu ndivo vanhu vemhuri yake.
7Asi kana ndirini, ndinomirira netariro kuna Jehovha,
ndinomirira Mwari Muponesi wangu;
Mwari wangu achandinzwa.

Israeri ichasimuka

8Usafara pamusoro pangu, iwe muvengi wangu!
Kunyange ndakawira pasi, ndichasimuka.
Kunyange ndigere murima,
Jehovha achava chiedza changu.
9Nokuti ndakamutadzira,
ndichatakura kutsamwa kwaJehovha,
kusvikira andireverera mhosva yangu
uye asimbisa kodzero yangu.
Achandibudisira kuchiedza,
ndichaona kururama kwake.
10Ipapo muvengi wangu achazviona
uye achafukidzwa,
iye akati kwandiri,
“Aripiko Jehovha Mwari wako?”
Meso angu achaona kuwa kwake;
kunyange iye zvino achatsikwa
pasi petsoka sematope mumigwagwa.

11Zuva rokuvaka masvingo enyu richasvika,
zuva rokuwedzerwa kwemiganhu yenyu.
12Pazuva iro vanhu vachauya kwauri
vachibva kuAsiria namaguta eIjipiti,
kunyange kubva kuIjipiti kusvikira kuYufuratesi,
uye kubva kugungwa kusvika kune rimwe gungwa,
nokubva kugomo kusvika kune rimwe gomo.
13Nyika ichava dongo nokuda kwavagari vayo,
nokuda kwamabasa avo.

Munyengetero noKurumbidza

14Fudza vanhu vako nomudonzvo wako,
boka renhaka yako,
rinogara roga musango,
mumafuro akanaka.
Rega afure muBhashani reGireadhi
samazuva ekare.

15“Sapamazuva amakabuda kubva muIjipiti,
ndichavaratidza zvishamiso zvangu.”

16Ndudzi dzichazviona uye dzichanyadziswa,
dzisisina simba radzo rose.
Vachabata miromo yavo
uye nzeve dzavo dzichadzivira.
17Vachananzva guruva senyoka,
sezvipuka zvinokambaira pasi.
Vachabuda vachidedera kubva munzvimbo dzavo dzokuvanda;
vachadzoka vachitya kuna Jehovha Mwari wedu,
uye vachakutyai.
18Ndiani Mwari akaita semi,
anoregerera chivi uye anokanganwira
kudarika kwavakasara venhaka yake?
Hamugari makatsamwa nokusingaperi,
asi munofarira kunzwira ngoni.
19Muchava nenyasha kwatiri zvakare;
muchatsikira zvivi zvedu pasi petsoka
uye muchakanda kuipa kwedu kwose pakadzikadzika mugungwa.
20Muchava makatendeka kuna Jakobho,
mucharatidza nyasha kuna Abhurahama,
sezvamakapika mhiko kumadzibaba edu
mumazuva akare.
Copyright information for SnaBDSC