Nehemiah 7

1Mushure mokunge rusvingo rwavakwa uye ndaisa makonhi panzvimbo dzawo, varindi vemikova, vaimbi navaRevhi vakagadzwa. 2Ndakagadza Hanani hama yangu kuti ave mutariri weJerusarema naHanania kuti ave mukuru wepanhare, nokuti aiva munhu anokudzwa uye aitya Mwari kupinda zvingaitwa noruzhinji rwavanhu. 3Ndakati kwavari, “Masuo eJerusarema asazarurwa kusvikira zuva rava kupisa. Panguva iyo vachengeti vamasuo vanenge vachiri pabasa, vaitei kuti vapfige makonhi vaise mazariro. Uyezve mugadze vagari vomuJerusarema savarindi; vamwe panzvimbo dzavo dzokurinda, vamwe pedyo nedzimba dzavo.”

Mazita aVakanga Vambotapwa Vakadzokera kuJerusarema

4Zvino guta rakanga rakakura uye rakapamhama asi maingova navanhu vashoma mariri, uye dzimba dzakanga dzisati dzavakwazve. 5Saka Mwari akaisa mumwoyo mangu kuti ndiunganidze vakuru navabati uye navamwe vanhu vose kuti vanyoreswe nemhuri dzavo. Ndakawana zvinyorwa zvemhuri dzaavo vakava vokutanga kudzokera. Izvi ndizvo zvandakawana zvakanyorwamo:

6Ava ndivo vanhu vedunhu vakabudiswa pautapwa vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake, 7vari pamwe chete naZerubhabheri, Jeshua, Nehemia, Azaria, naRaamia, Nahamani, Modhekai, Bhirishani, Misipereti, Bhigivhai, Nehumi naBhaana):

Mazita avarume veIsraeri:
8Zvizvarwa
zvaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri;
9zvaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri;
10zvaAra, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri;
11zvaPahati-Moabhu (kubudikidza nokuna Jeshua naJoabhu), zviuru zviviri, namazana masere ane gumi navasere;
12zvaEramu, chiuru chimwe, china mazana maviri namakumi mashanu navana;
13zvaZatu, mazana masere namakumi mana navashanu;
14zvaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu;
15zvaBhinui, mazana matanhatu namakumi mana navasere;
16zvaBhebhai, mazana matanhatu namakumi maviri navasere;
17zvaAzigadhi, zviuru zviviri mazana matatu namakumi maviri navaviri;
18zvaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navanomwe;
19zvaBhigivhai, zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe;
20zvaAdhini, mazana matanhatu namakumi mashanu navashanu;
21zvaAteri (kubudikidza naHezekia), makumi mapfumbamwe navasere;
22zvaHashumi, mazana matatu namakumi maviri navasere;
23zvaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navana;
24zvaHarifi, zana negumi navaviri;
25zvaGibheoni, makumi mapfumbamwe navashanu.
26Varume
veBheterehema neNetofa, zana namakumi masere navasere;
27vokuAnatoti, zana namakumi maviri navasere;
28vokuBheti Azimavheti, makumi mana navaviri;
29vokuKiriati Jearimi, Kefira neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu;
30vokuRama neGebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete;
31vokuMikimashi, zana namakumi maviri navaviri;
32vokuBheteri neAi, zana namakumi maviri navatatu;
33vokune rimwe Nebho; makumi mashanu navaviri;
34vokune rimwe Eramu, chiuru mazana maviri namakumi mashanu navana;
35vokuHarimu, mazana matatu ana makumi maviri;
36vokuJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu;
37vokuRodhi, Hadhidhi neOno, mazana manomwe namakumi maviri nomumwe chete;
38vokuSenaa, zviuru zvitatu mazana mapfumbamwe namakumi matatu.

39Vaprista:
zvizvarwa
zvaJedhaya (kubudikidza nokumhuri yaJeshua), mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu;
40zvaImeri, chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri;
41zvaPashuri, chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana navanomwe;
42zvaHarimu, chiuru chimwe chine gumi navanomwe.

43VaRevhi:
zvizvarwa
zvaJeshua (kubudikidza naKadhimieri nokumhuri yaHodhavhia), vaiva makumi manomwe navana.

44Vaimbi:
zvizvarwa
zvaAsafi, zana namakumi mana navasere.

45Varindi vamasuo:
zvizvarwa
zvaSherumi, Ateri, Tarimoni, Akubhi, Hatita, naShobhai, zana namakumi matatu navasere.

46Vashandi vomutemberi:
zvizvarwa
zvaZiha, Hasufa, Tabhoati,
47Kerosi, Sia, Padhoni,
48Rebhana, Hagabha, Sharimai,
49Hanani, Gidheri, Gehari,
50Reaya, Rezini, Nekodha,
51Gazamu, Uza, Pesea,
52Bhesai, Meunimi, Nefusimu,
53Bhakuki, Hakufa, Harihuri,
54Bhazuruti, Mehidha, Harisha,
55Bharikosi, Sisera, Tema,
56Nezia, naHatifa.
57Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni:
zvizvarwa zva:
Sotai, Sofereti, Peridha,
58Jaara, Dharikoni, Gidheri,
59Shefatia, Hatiri, Pokereti-Hazebhaimu naAmoni.
60Vashandi vomutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni, mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.

61Ava vanotevera vaibva kumaguta okuTeri Mera, Teri Harisha Kerubhi, Adhoni neImeri, asi vakanga vasingagoni kuratidza kuti zvizvarwa zvavo zvaibva mumhuri yaIsraeri:
62zvizvarwa
zvaDheraya, zvaTobhia nezvaNekodha zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri.

63Uye vaibva pakati pavaprista:
zvizvarwa
zvaHobhaya, Hakozi naBharizirai (murume akanga awana mwanasikana waBharizirai muGireadhi uye aidaidzwa nezita iroro).
64Ava vakatsvaka zvinyorwa zvemhuri dzavo, asi vakazvishaya nokudaro vakabviswa kubva kuvaprista, savasina kuchena. 65Naizvozvo mubati akavarayira kuti vasadya zvokudya zvipi zvazvo zvakanatswa kusvikira kwava nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi.

66Ungano yose yaiva navanhu zviuru makumi mana navaviri ane mazana matatu namakumi matanhatu, 67pasina varanda vavo navarandakadzi vavo vaisvika zviuru zvinomwe namazana matatu ana makumi matatu navanomwe; uye vaivazve navarume navakadzi vaiva vaimbi vaisvika mazana maviri namakumi mana navashanu. 68Paiva namazana manomwe namakumi matatu namatanhatu amabhiza, uye manyurusi mazana maviri namakumi mana nemashanu, 69mazana mana namakumi matatu namashanu engamera uye zviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe namakumi maviri zvembongoro.

70Vamwe vakuru vemhuri vakabatsira pabasa. Mubati akaisa madhirakema egoridhe chiuru
makirogiramu angaita 8.5, uyewo nomundima 72
muchivigiro chepfuma nemidziyo makumi mashanu nenhumbi dzavaprista mazana mashanu namakumi matatu.
71Vamwe vakuru vemhuri vakaisa muchivigiro chepfuma zviuru makumi maviri zvamadhirakema
makirogiramu angaita 170, uyewo nomundima 72
egoridhe kuitira basa, mamina esirivha zviuru zviviri namazana maviri
matani angaita 1.3
.
72Uwandu hwezvakapiwa navanhu vose vose hwaiva zviuru makumi maviri zvamadhirakema egoridhe, nezviuru zviviri zvamamina
matani angaita 1.1
esirivha, uye nenhumbi dzavaprista dzinosvika makumi matanhatu nenomwe.

73Vaprista, vaRevhi, varindi vemikova, vaimbi navabati vomutemberi, pamwe chete navamwe pakati poruzhinji rwavaIsraeri, vakandogara mumaguta avo.

Copyright information for SnaBDSC