Numbers 9

Pasika

1Jehovha akataura kuna Mozisi murenje reSinai mumwedzi wokutanga wegore rechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti. Akati kwaari, 2“Ita kuti vaIsraeri vapemberere Pasika panguva yakatarwa. 3Muipemberere panguva yakatarwa, panguva yorubvunzavaeni pazuva regumi namana romwedzi, maererano nemitemo yayo nemirayiro yayo yose.”

4Saka Mozisi akataurira vaIsraeri kuti vapemberere Pasika, 5ivo vakaita saizvozvo murenje reSinai panguva yorubvunzavaeni nezuva regumi namana romwedzi wokutanga. VaIsraeri vakaita zvose sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

6Asi vamwe vavo havana kupemberera Pasika nomusi iwoyo nokuti vakanga vasina kuchena nokuda kwechitunha. Saka vakauya kuna Mozisi naAroni musi iwoyo uye, 7vakati kuna Mozisi, “Isu tava vasina kuchena nokuda kwechitunha, asi tinodzivisirweiko kuvigira Jehovha chipiriso pamwe chete navamwe vaIsraeri panguva yakatarwa?”

8Mozisi akavapindura akati, “Mirai kusvikira ndanzwa zvinorayirwa naJehovha pamusoro penyu.”

9Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 10“Taurira vaIsraeri kuti: ‘Mumwe wenyu kana zvizvarwa zvenyu kana vasvibiswa nokuda kwechitunha uye kana kuti vari parwendo, naivowo vangapemberera Pasika yaJehovha. 11Vanofanira kuipemberera nezuva regumi namana romwedzi wechipiri panguva dzorubvunzavaeni. Vanofanira kudya gwayana, pamwe chete nechingwa chisina mbiriso nomuriwo unovava. 12Havafaniri kusiya chinhu kusvikira mangwanani kana kuvhuna mapfupa aro. Pavanopemberera Pasika, vanofanira kutevedza mitemo yose. 13Asi kana munhu akachena uye asiri parwendo akakundikana kupemberera Pasika, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake nokuti haana kuvigira Jehovha chipiriso panguva yakatarwa. Munhu uyo achatakura zvivi zvake.

14“ ‘Mutorwa agere pakati penyu anoda kupemberera Pasika yaJehovha anofanira kuita izvozvo maererano nemitemo nemirayiro yayo. Munofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa nokuna akaberekerwa munyika.’ ”

Gore pamusoro peTabhenakeri

15Pazuva rakamiswa tabhenakeri, iyo Tende yeChipupuriro, gore rakaifukidza. Kubva panguva dzamadekwana kusvikira mangwanani, gore rakanga riri pamusoro petabhenakeri rakanga rakaita somoto. 16Ndizvo zvarakaramba rakaita; gore rakaifukidza, uye usiku rairatidzika somoto. 17Gore raiti kana rasimudzwa kubva pamusoro peTende, vaIsraeri vaifamba; pose paimira gore, vaIsraeri vaidzika musasa ipapo. 18Pakurayira kwaJehovha, vaIsraeri vaifamba, uye pakurayira kwake, vaibva vadzika musasa. 19Gore paraimira pamusoro petabhenakeri, ivo vairamba vakadzika musasa. 20Dzimwe nguva gore raigara pamusoro petabhenakeri kwamazuva mashomanana chete; vaidzika musasa wavo sokurayira kwaJehovha uye pakurayira kwake, vaibva vafamba. 21Dzimwe nguva gore raingogara kubva panguva dzamadekwana kusvikira mangwanani, uye paraingosimuka mangwanani vaibva vafamba. Paingosimuka gore, angava masikati kana usiku, vaibva vafamba. 22Kana gore rikagara pamusoro petabhenakeri kwamazuva maviri kana mwedzi, kana gore rimwe chete, vaIsraeri vairamba vari mumusasa uye vasingafambi; asi kana rikasimuka ivo vaibva vafamba. 23Sokurayira kwaJehovha, vaidzika musasa, uye sokurayira kwaJehovha, vaifamba. Vakateerera kurayira kwaJehovha, maererano nokurayira kwake kubudikidza naMozisi.

Copyright information for SnaBDSC