Song of Solomon 3

1Usiku hwose ndiri pamubhedha wangu
ndakatsvaka uyo anodiwa nomwoyo wangu;
ndakamutsvaka asi handina kumuwana.
2Ndichasimuka zvino ndinofamba-famba muguta,
mumigwagwa yaro nomuzvivara zvaro;
ndichatsvaka iye anodiwa nomwoyo wangu.
Saka ndakamutsvaka asi handina kumuwana.
3Varindi vakandiona
pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta.
“Ko, mamboona here iye anodiwa nomwoyo wangu?”
4Ndichingopfuudzana navo
ndakabva ndamuwana, iye anodiwa nomwoyo wangu.
Ndakamubata ndikasamuregedza
kusvikira ndaenda naye kumba kwamai vangu,
kuimba yaavo vakandibereka.
5Vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai
nemhara kana nenondo dzesango kuti:
Musazunguza kana kumutsa rudo
kusvikira irwo rwada rwoga.
6Ndianiko uyo ari kuuya achibva nokurenje
seshongwe youtsi
ine munhuwi wemura, nezvimwe zvinonhuhwira
zvakagadzirwa nezvikuyiwa zvinonhuhwira zvavashambadzi?
7Tarirai! Ndiyo ngoro yaSoromoni,
yakachengetedzwa nemhare makumi matanhatu dzamachinda,
apamusoro-soro omuIsraeri.
8Mumwe nomumwe wavo akabata munondo
vose vakarwa hondo,
mumwe nomumwe ane munondo parutivi rwake,
vakagadzirira kutarisana nezvinotyisa usiku.
9Mambo Soromoni akazvigadzirira ngoro;
akaigadzira nemiti yokuRebhanoni.
10Mbiru dzacho akadzigadzira nesirivha,
pokuzembera musana pakagadzirwa negoridhe.
Pokugara pakashongedzwa nejira repepuru,
mukati mayo makashongedzwa norudo
navanasikana veJerusarema.
11Budai imi vanasikana veZioni,
muzoona Mambo Soromoni akapfeka korona,
korona yaakapfekedzwa namai vake
musi wesvitsa,
zuva iro mwoyo wake wakafara.
Copyright information for SnaBDSC