‏ 1 Thessalonians 3

Pauro anotuma Timotio kwavari

1Saka zvatakange tisisagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiiwe tiri tega paAtene, 2ndokutuma Timotio hama yedu nemushumiri waMwari nemushandi pamwe nesu muevhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nekukunyaradzai maererano nerutendo rwenyu, 3kuti kurege kuva neumwe anozununguswa nematambudziko awa, nokuti munoziva momene kuti takamisirwa izvozvi. 4Nokuti kunyange tichinemwi, takagara takuudzai kuti tava kuzotambudzwa, kunyange sezvazvakaitika, nemwi munoziva. 5Nekuda kweizvozviwo zvandakange ndisisagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive rutendo rwenyu, zvimwe pamwe muidzi wakakuidzai, basa redu rikava pasina. 6Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achibva kwamuri, wakatipira mashoko akanaka erutendo rwenyu nerudo, uye kuti mune murangariro wakanaka pamusoro pedu nguva dzese, muchishuva zvikuru kutiona, sesuwo imwi; 7nekuda kwezvizvi takanyaradzwa, hama, pamusoro penyu padambudziko redu rese nenhamo nerutendo rwenyu; 8nokuti ikozvino tinorarama, kana imwi mumire makasimba muna Ishe. 9Nokuti kuvonga kwakadini kwatingagona kuripira kuna Mwari pamusoro penyu, nemufaro wese watinofara nawo nekuda kwenyu pamberi paMwari wedu? 10Siku nesikati tichinyengetera zvikurusa kuti tione chiso chenyu, tizadzise zvakataira parutendo rwenyu. 11Zvino dai Mwari pachake naBaba vedu, naIshe wedu Jesu Kristu aruramisira nzira yedu kwamuri; 12uye dai Ishe akukurisai nekukuwanzirai rudo umwe kune umwe nekune vese, sesuwo kwamuri, 13kuti asimbise moyo yenyu isingamhuriki pautsvene pamberi paMwari, uye Baba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu pamwe nevatsvene vake vese.

Copyright information for Shona