‏ John 2

Jesu anoita chishamiso chekutanga

1Zvino nezuva retatu kwakava nemuchato muKana yeGarirea; namai vaJesu vakange varipo. 2NaJesuwo wakange akokwa pamwe nevadzidzi vake kumuchato. 3Waini yakati ichishaikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havana waini. 4Jesu akati kwavari: Mukadzi, ndinei newe? Nguva yangu haisati yasvika. 5Mai vake vakati kuvaranda: Chipi nechipi chaanokuudzai, itai. 6Zvino kwakange kwakaiswapo zvirongo zvitanhatu zvemabwe semachenuriro emaJudha, chimwe nechimwe chaipinda zviyero zviviri kana zvitatu. 7Jesu akati kwavari: Zadzai zvirongo nemvura. Vakazvizadza kusvikira pamuromo. 8Ndokubva ati kwavari: Cherai ikozvino, mutakurire kumubati wekudya. Vakazvitakura. 9Mubati wekudya wakati aravira mvura ikava waini, asingazivi kwainobva (asi varanda vakange vachera mvura vaiziva), mubati wekudya akadana muwani, 10ndokuti kwaari: Munhu umwe neumwe pakutanga anoisa waini yakanaka, kana vanyatsonwa, isina kunyatsonaka; iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.

11Uku kutanga kwezviratidzo kwakaita Jesu paKana yeGarirea, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.

12Shure kweizvozvo wakaburukira kuKapenaume, iye, namai vake, nevanin'ina vake, nevadzidzi vake; vakagarako mazuva asiri mazvinji.

Jesu anonatsa tembere

13Zvino pasika yeVaJudha yakange yaswedera, Jesu ndokukwira kuJerusarema.

14Akawanawo mutembere avo vanotengesa nzombe nemakwai nenjiva, nevatsinhanisi vemari vagere. 15Zvino wakati aita tyava yerwonzi, akavadzinga vese mutembere, nemakwai nenzombe; akateura mari yevatsinhanisi, ndokupidigura matafura. 16Akati kune vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvi pano; musaita imba yaBaba vangu imba yekutengeserana. 17Vadzidzi vake ndokurangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi: Kushingairira imba yenyu kwandidya kukandipedza.

18Naizvozvo VaJudha vakapindura, vakati kwaari: Unotiratidza chiratidzo chei, chekuti unoita zvinhu izvi? 19Jesu akapindura akati kwavari: Pazai tembere iyi, uye mumazuva matatu ndichaimutsa. 20Naizvozvo VaJudha vakati: Makore makumi mana nematanhatu tembere iyi ichivakwa, zvino iwe ungaimutsa nemazuva matatu here? 21Asi iye waireva zvetembere yemuviri wake. 22Naizvozvo wakati amuka kubva kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira kuti wakange areva izvi kwavari; ndokutenda rugwaro, neshoko Jesu raakange areva.

23Zvino wakati ava muJerusarema papasika, pamutambo, vazhinji vakatenda kuzita rake pavakaona zviratidzo zvaaiita. 24Asi Jesu pachake haana kuzvikumikidza kwavari, nokuti wakange achivaziva vese. 25Uye nokuti wakange asingatsvaki kuti ani nani apupure zvemunhu; nokuti wakange achiziva pachake zvakange zviri mumunhu.

Copyright information for Shona