Luke 16
Mutariri asakarurama
1Zvino wakataurawo kuvadzidzi vake achiti: Kwakange kune umwe munhu mufumi, waiva nemutariri; iye wakapomerwa kwaari seanoparadza nhumbi dzake. 2Zvino wakamudana akati kwaari: Chii ichi chandinonzwa nezvako? Rondedzera nezveutariri hwako; nokuti hauchazogoni kuva mutariri. 3Zvino mutariri wakati mukati make: Ndichaitei, sezvo ishe wangu wonditorera utariri? Handigoni kuchera, kupemha ndinonyara. 4Ndaziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pautariri, vandigamuchire mudzimba dzavo. 5Zvino wakadanira kwaari umwe neumwe wavakange vane chikwereti kuna ishe wake, akati kune wekutanga: Une chikwereti chakadini kuna ishe wangu? 6Iye ndokuti: Zviyero zana zvemafuta. Ndokuti kwaari: Tora rugwaro rwako, ugare pasi nekukurumidza unyore makumi mashanu. 7Ndokuti kune umwe: Newe, une chikwereti chakadini? Iye ndokuti: Zviyero zana zvezviyo. Akati kwaari: Tora rugwaro rwako, unyore makumi masere. 8Zvino ishe wakarumbidza mutariri asakarurama, nokuti wakange aita nekuchenjera; nokuti vana venyika ino vakachenjera pazera ravo kukunda vana vechiedza. 9Neni ndinoti kwamuri: Muzviitire shamwari nafuma wekusakarurama, kuti kana musingachagoni, vakugamuchirei mudzimba dzekusingaperi. 10Wakatendeka pachidikisa wakatendekawo pachikuru, neusakarurama pachidikisa haana kururamawo pachikuru. 11Naizvozvo kana musina kutendeka pana fuma usakarurama, ndiani achakubatisai chinhu chechokwadi? 12Uye kana musina kutendeka pane cheumwe, ndiani achakupai chenyu? 13Hakuna muranda anogona kubatira madzitenzi maviri; nokuti zvimwe achavenga umwe, ndokuda umwe; kana kuti achanamatira kune umwe, agozvidza umwe. Hamugoni kubatira Mwari nafuma.Jesu unomhura VaFarisi
14Zvino neVaFarisi vakange vari vadi vemari, vakanzwa zvinhu izvi zvese, vakamuseka. 15Zvino wakati kwavari: Imwi ndimwi vanozviruramisa pamberi pevanhu, asi Mwari anoziva moyo yenyu; nokuti icho chinokwiridzirwa pakati pevanhu, chinyangadzo pamberi paMwari. 16Murairo nevaporofita zvaivapo kusvikira kuna Johwani; kubva ipapo ushe hwaMwari hunoparidzwa, uye umwe neumwe anosenerera mahuri. 17Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuure, pakuti chidodzi chimwe chemurairo chiwe. 18Ani nani anoramba mukadzi wake akawana umwe anoita upombwe; uye ani nani anowana wakarambwa kumurume anoita upombwe.Mufananidzo wemufumi naRazaro
19Kwakange kune umwe munhu mufumi, waipfeka zvine ruvara rwehute nemicheka yakaisvonaka, nekufara paumbozha mazuva ese. 20Zvino kwakange kune umwe mupemhi wainzi Razaro, wakange akaiswa pasuwo rake azere maronda, 21uye waishuva kugutswa nezvimedu zvaiwa patafura yemufumi; asi kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake. 22Zvino zvakaitika kuti mupemhi wakafa, akatakurirwa nevatumwa kuchifuva chaAbhurahama; mufumi akafawo, akavigwa. 23Zvino ari muhadhesi* wakasimudza meso ake, ari pamarwadzo, akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachifuva chake. 24Iye ndokudanidzira akati: Baba Abhurahama, ndinzwirei tsitsi, mutume Razaro, kuti anyike muromo wemunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu; nokuti ndinorwadziswa mumurazvo uyu. 25Asi Abhurahama wakati: Mwana, rangarira kuti iwe muupenyu hwako wakagamuchira zvakanaka zvako, saizvozvo naRazaro zvakaipa; asi zvino iye anonyaradzwa, uye iwe unorwadziwa. 26Uye pamusoro peizvi zvese, pakati pedu nemwi pane mukaha mukuru wakaiswa, kuti vanoda kuyambuka kubva kuno vachiuya kwamuri vakonewe, neveko varege kuyambukira kwatiri. 27Iye ndokuti: Naizvozvo ndinokukumbirisai, baba, kuti mumutumire kuimba yababa vangu, 28nokuti ndine vanakomana vamai vangu vashanu, kuti anyatsovapupurira, zvimwe ivowo vangauya panzvimbo ino yemarwadzo. 29Abhurahama akati kwaari: Mozisi nevaporofita vanavo; ngavanzwe ivo. 30Iye ndokuti: Kwete, baba Abhurahama; asi kana umwe akaenda kwavari kubva kuvakafa, vachatendeuka. 31Asi wakati kwaari: Kana vasingateereri Mozisi nevaporofita, havangatendiswi kunyange kana umwe akamuka kubva kuvakafa.
Copyright information for
Shona